settings icon
share icon
Mubvunzo

Bhaibheri iShoko raMwari zvechokwadi here?

Mhinduro


Mhinduro yatichapa pamubvunzo uyu haisi kuzochinja maonero atinoita Bhaibheri chete uye kukosha kwaro muupenyu hwedu, asiwo ichachinja upenyu hwedu nekusingaperi. Kana Bhaibheri riri Shoko raMwari zvechokwadi, saka tinofanira kurikoshesa, kuridzidza, kuriteerera, uye kuvimba naro. Kana Bhaibheri riri Shoko raMwari, kuriramba kunenge kuri kuramba Mwari Pachake.

Chokwadi chokuti Mwari akatipa Bhaibheri uchapupu uye kuratidzwa kwerudo Rwake kwatiri. Shoko rokuti "zvakazarurwa" rinongoreva kuti Mwari akaudza vanhu kuti Iye ndiani uye kuti tingava sei neushamwari hwakanaka Naye. Tingadai tisina kuziva zvinhu izvi kudai Mwari anga asina kutiudza muBhaibheri. Kunyange zvazvo Mwari akatizivisa nezvake muBhaibheri zvishoma nezvishoma mumakore angangosvika 1 500, ragara riine zvinhu zvose izvo munhu angada kuziva nezvaMwari kuti ave shamwari Yake. Kana Bhaibheri riri Shoko raMwari zvechokwadi, saka ndiro rine kodzero yekutiudza zvose zvine chokuita nokutednda kwedu, manamatiro, uye tsika.

Mubvunzo watinofanira kuzvibvunza ndewekuti tingaziva sei kuti Bhaibheri iShoko raMwari kwete kungoti ibhuku rakangonakawo zvaro? Ndezvipi zviri muBhaibheri zvinoita kuti risiyane nemamwe mabhuku echitendero akambonyorwa? Pane uchapupu huripo here hwokuti zvechokwadi Bhaibheri iShoko raMwari? Iyi ndiyo mibvunzo inofanira kutanga yaongororwa kana tichida kunyatsonanganidza zvinotaurwa neBhaibheri zvokuti iro iShoko raMwari Pachake, raakafemera, uye kuti rine zvose zvatingada pakutenda uye pakunamata. Hapana mubvunzo kuti Bhaibheri pacharo rinoti iShoko raMwari.

Izvi zvinonyatsooneka mumashoko aPauro ekukurudzira Timoti anoti: “. . . kubva pauduku wakaziva Magwaro matsvene, anogona kukupa uchenjeri hunosvitsa kukuponeswa kubudikidza nokutenda muna Kristu Jesu. Rugwaro rwose rwakafemerwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, kurayira, kutsiura nokurairidza mukururama, kuti munhu waMwari akwaniswe kwazvo agadzirirwa mabasa ose akanaka” (2 Timoti 3:15-17).

Pane uchapupu huri muBhaibheri uye husiri hwemuBhaibheri hunoratidza kuti zvechokwadi Bhaibheri iShoko raMwari. Uchapupu huri muBhaibheri ndezvinhu zviya zvakanyorwa muBhaibheri zvinoratidza kuti iShoko raMwari. Uchapupu hwekutanga hunoratidza kuti iShoko raMwari ndiko kuwirirana kwarinoita. Kunyange zvazvo riine mabhuku anokwana 66, akanyorwa mumakondinendi matatu, mumitauro mitatu, kwemakore angangosvika 1 500, rakanyorwa nevanhu 40 vakabva kwakasiyana-siyana, Bhaibheri ibhuku rimwe chete kubva kwekutanga kusvika kwekupedzisira, risingapesani. Kuwirirana uku kwakasiyana nekwemamwe mabhuku uye zvinoratidza kuti mashoko aro akabva kuna Mwari, uyo akatuma vanhu kuti vanyore mashoko Ake ose.

Umwe uchapupu huri muBhaibheri hunoratidza kuti zvechokwadi Bhaibheri iShoko raMwari hunooneka muuprofita hwakanyorwa mariri. Bhaibheri rine uprofita hunosvika mazana hunotaura nezvenyika dzakasiyana-siyana, kusanganisira Israeri, kusvika kune remangwana remamwe maguta, remangwana revanhu, uye kuuya kweMunhu aizova Mesiya, Muponesi wevanhu vose vanotenda maAri, kwete vaIsraeri chete. Kusiyana nehumwe uprofita hunowanika mune mamwe mabhuku echitendero kana aya akanyorwa naNostradamus, uprofita huri muBhaibheri hune mashoko akakwana akadzama uye hahuna kumbotadza kuitika. Pane uprofita hunodarika mazana matatu hune chokuita naJesu Kristu muTestamende Yekare chete. Uprofita hwacho hahuna kungotaura kwaAizozvarirwa chete uye mhuri yaAizobva, asiwo mafiro aAizoita uye kuti Aizomuka nezuva rechitatu. Hapana imwe nzira yokutsanangura kuti sei izvi zvakaitika saizvozvo kusiya kwekubvuma kuti zvakabva kuna Mwari. Hakuna rimwe bhuku rechitendero rine uprofita hwakawanda zvakadaro kana kuti hwakadzama sehuri muBhaibheri.

Uchapupu hwechitatu huri muBhaibheri hunoratidza kuti iShoko raMwari isimba rariinaro uye chiremera. Kunyange zvazvo uchapupu uhu huchigona kuitisanwa nharo kusiyana nehuviri hwatambotaura, ihwo uchapupu hune simba hwokuti Bhaibheri iShoko raMwari. Bhaibheri rine chiremera chisina mamwe mabhuku akambonyorwa. Chiremera ichi nesimba zvinonyanya kuoneka pavanhu vasingaverengeki vane upenyu hwakachinjwa neBhaibheri. Vanhu vakapindwa muropa nezvinodhaka vakabatsirwa naro, ngochani dzakasunungurwa naro, vanhu vakarasika njere nevanga vasisina tariro vakachinjwa naro, mbavha dzemakoko dzakachinjwa naro, vatadzi vanotsiurwa naro, uye ruvengo runochinjwa kuva rudo nokuriverenga. Bhaibheri rine simba remandorokwati nokuti zvechokwadi iro iShoko raMwari.

Panewo uchapupu husiri hwemuBhaibheri hunoratidza kuti zvechokwadi Bhaibheri iShoko raMwari. Umwe hwacho ndehwekuti Bhaibheri rinowirirana nezvinotaurwa nevanyori vezvakaitika kare. Nokuti Bhaibheri rinotaura zvakaitika kare, izvi zvinogona kutariswa kuti ichokwadi here kubva kune zvakanyorwawo nevamwe vanhu. Tichitarisa uchapupu hwevanochera matongo uye zvimwe zvakanyorwa, nyaya dzezvakaitika kare dziri muBhaibheri dzakaoneka kakawanda kuti ndedzechokwadi uye dzakaitika. Kutaura sezvazviri, uchapupu hwose hwevanochera matongo uye zvinyorwa zvakawanika zvinotsigira Bhaibheri zvinoita kuti rive ndiro bhuku rakakurumbira zvakanyanya pasi pose pane ekare. Kuti Bhaibheri rakanyora zvakarurama uye zvechokwadi nyaya dzakaitika kare, izvo zvinokwanisa kuongororwa, zvinoratidza kuti tinokwanisa kuvimba naro pakukurukura nyaya dzechitendero uye dzidziso, zvoratidza kuti iShoko raMwari, sekutaura kwarinoita.

Umwe uchapupu husiri muBhaibheri hwokuti zvechokwadi iro iShoko raMwari kuvimbika kwevanhu vakarinyora. Sezvatambotaura, Mwari akashandisa vanhu vakasiyana-siyana kuti vanyore mashoko Ake kwatiri. Patinodzidza upenyu hwevanhu ava, hapana chinoita kuti titi vakanga vasiri pachokwadi kana kuti vakavimbika. Kudzidza upenyu hwavo uye kuti vakanga vakagadzirira kufa zvinorwadza nemhaka yezvavaitenda, zvinova pachena kuti vanhu ava vakangofanana nesu vaibvuma zvavakaudzwa naMwari. Varume vakanyora Testamende Itsva uye mazana evamwe vatendi (1 VaKorinde 15:6) vaiziva kuti zvavaitaura ndezvechokwadi nokuti vakanga vazvionera nemaziso avo vakagara naJesu Kristu paakanga amuka kuvakafa. Kuona Kristu amuka kwakachinja upenyu hwavo zvakanyanya. Vaimbenge vahwanda vachitya, vakasvika pakuda kufira mashoko avakanga varatidzwa naMwari. Upenyu hwavo nekufa kwavo uchapupu hwekuti zvechokwadi Bhaibheri iShoko raMwari.

Uchapupu hwekupedzisira husiri hwemuBhaibheri hunoratidza kuti zvechokwadi Bhaibheri iShoko raMwari ndehwekuti Bhaibheri harikwanisi kuparadzwa. Nemhaka yekukosha kwaro uye kutaura kwaro kuti iShoko raMwari pachake, Bhaibheri rakarwiswa zvisina mukare akamboona uye vanhu vakaedza kasingaperi kuriparadza kudarika chero rimwe bhuku pasi pano. Kubvira paVatongi veRoma vokutanga-tanga vakadai saDiocletian, kusvika kuvadzvinyiriri vechikomonisiti uye vanoramba kuti kuna Mwari mazuva ano, Bhaibheri rakunda vavengi varo vose uye ndiro richiri bhuku rinodhindwa kukunda mamwe ose pasi pano nhasi.

Kwemakore ose aya, vatsoropodzi vave vachiti Bhaibheri nderengano, asi zvakawanikwa nevanochera matongo zvaratidza kuti iro nderechokwadi. Vashori vakatsoropodza dzidziso dzaro vachiti ndedzechinyakare uye dzepasichigare, asi zvarinotaura maererano netsika uye mitemo nedzidziso zvinobatsira vanhu nemarudzi pasi pose. Richiri kushorwa nevesayenzi, vanodzidza mafungiro evanhu, vezvematongerwo enyika, asi richiri rechokwadi uye richiri kushanda nhasi kungofanana nezvarakanga riri parakatanga kunyorwa. Ibhuku rakachinja upenyu hwemazana akazanirana kwemakore 2 000 adarika. Hazvinei kuti vavengi varo vanoedza kurirwisa sei, kuriparadza sei, kurishora sei, Bhaibheri rinoramba riine simba, rechokwadi, uye richishanda sezvaragara richiita. Kuramba rakarurama pasinei nekuedza kurisvibisa, kurirwisa, kana kuti kuriparadza uchapupu huri pachena hwekuti zvechokwadi Bhaibheri iShoko raMwari uye Mwari ndiye ave achirichengetedza. Hazvifaniri kutishamisa kuti pasinei nokuti Bhaibheri rinorwiswa sei, rinobuda risina kuchinja uye risina kusvibiswa. Inga Jesu akati “Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri” (Mako 13:31). Aongorora uchapupu uhu, munhu anogona kutaura nechivimbo kuti hungu, Bhaibheri iShoko raMwari zvechokwadi.

English



Dzokera kupeji yekutanga yemutauro weShona

Bhaibheri iShoko raMwari zvechokwadi here?
© Copyright Got Questions Ministries