settings icon
share icon
Mubvunzo

Ndiani Anonzi muKristu?

Mhinduro


Duramazwi rinotsanangura muKristu se “munhu anodavira kuti Jesu ndiye Kristu kana kuti anodavira chitendero chakaumbwa nedzidziso dzaJesu.” Kunyange hazvo tsananguro iyi yakanaka, hainyatsoburitsi pachena kuti zvinorevei kuva muKristu sezvazviri muBhaibheri. Shoko rokuti muKristu rakashandiswa katatu muTestamende Itsva (Mabasa 11:26; 26:28; 1 Petro 4:16). Vateveri vaJesu Kristu vakatanga kunzi “vaKristu” paAndioki (Mabasa 11:26) nokuti unhu hwavo, maitiro avo, nekutaura kwavo kwakanga kwakafanana nekwaKristu. Shoko rokuti “muKristu” sezvariri rinoreva “kuva muboka raKristu” kana kuti “muteveri waKristu.”

Zvinosiririsa kuti nekupindana kwemazuva, shoko rokuti “muKristu” harisisina chiremera uyezve rave kunyanya kushandiswa kutsanangura munhu anotendera kana kuti ane unhu hwakanaka achitevera kana kusatevera tsoka dzaJesu Kristu. Vanhu vazhinji vasingadaviri kana kuvimba naJesu vanozviti vaKristu nokuti vanoenda kuchechi kana kuti nokuti vanogara munyika ine vaKristu vakawanda. Asi kuenda kuchechi, kubatsira vanotambura kana kuva munhu akanaka hazvirevi kuti wave muKristu. Kuenda kuchechi hazvirevi kuti wave muKristu nekuti zvakafanana nekuti ukaenda pagaraji hazvirevi kuti wave motokari. Kuva nhengo yekereke, kugaroenda kusvondo kana kupa mari kuchechi hazvirevi kuti wave muKristu.

Bhaibheri rinodzidzisa kuti mabasa akanaka atinoita haaiti kuti Mwari atifarire. Tito 3:5 inoti “Akatiponesa, kwete nokuda kwezvinhu zvakarurama zvatakaita, asi nokuda kwetsitsi dzake. Akatiponesa kubudikidza nokuberekwa patsva nokuvandudzwa noMweya Mutsvene.” Saka, muKristu munhu akaberekwa patsva naMwari (Johani 3:3; Johani 3:7; 1 Petro 1:23) uye achitenda nokuvimba naJesu Kristu. VaEfeso 2:8 inotiudza kuti “makaponeswa nenyasha, kubudikidza nokutenda, uye izvi hazvibvi kwamuri, chipo chaMwari.”

MuKristu wechokwadi munhu anotenda uye anovimba naJesu nemabasa ake, kusanganisira nerufu rwake pamuchinjikwa sekuripwa kwezvitadzo uyezve kumuka kwake kubva kuvakafa nezuva rechitatu. Johani 1:12 inotiudza kuti “Asi kuna vose vakamugamuchira, kuna avo vakatenda muzita rake, akavapa simba rokuti vave vana vaMwari.” MuKristu wechokwadi anozivikanwa nekuva nerudo uye kuteerera Shoko raMwari (1 Johani 2:4, 10). MuKristu wechokwadi anenge ari mwana waMwari, ari nhengo yemhuri yaMwari yechokwadi, munhu akapiwa upenyu hutsva muna Jesu Kristu.

Zvawaverenga pano zvaita kuti ude Kristu here? Kana zvirizvo, dzvanya bhatani rakanzi “Nhasi ndagamuchira Kristu” riri pasi apa.

English



Dzokera kupeji yekutanga yemutauro weShona

Ndiani Anonzi muKristu?
© Copyright Got Questions Ministries