settings icon
share icon
Mubvunzo

Chii chinonzi munyengetero wemutadzi?

Mhinduro


Munyengetero wemutadzi munyengetero unoitwa nemunhu kuna Mwari kana ava kuziva kuti iye mutadzi uye kuti anoda Muponesi. Kutaura munyengetero uyu ikwo kwega hakuna zvakunopedza. Munyengetero wemutadzi unoshanda chete kana munhu wacho ava kunyatsoziva, kunzwisisa, uye kubvuma kutadza kwake oda kuwana ruponeso.

Chekutanga pamunyengetero wemutadzi kuziva kuti tose tiri vatadzi. VaRoma 3:10 inoti, "Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Hakuna akarurama, kunyange nomumwe." Bhaibheri rinoratidza pachena kuti tose takatadza. Tose tiri vatadzi vanoda kunzwirwa ngoni uye kuregererwa naMwari (Tito 3:5-7). Nemhaka yezvitadzo zvedu, takakodzera kurangwa nokusingaperi (Mateo 25:46). Munyengetero wemutadzi chikumbiro chekuti tinzwirwe nyasha pane kutongwa. Chikumbiro chekuwana tsitsi pane kuitirwa hasha.

Chechipiri pamunyengetero wemutadzi kuziva zvakaitwa naMwari kuti agadzirise zvinhu zvakanga zvakanganisika pasisina tariro. Mwari akapfeka nyama akava munhu ari Jesu Kristu (Johani 1:1,14). Jesu akatidzidzisa chokwadi nezvaMwari uye akararama upenyu hwakakwana husina chitadzo kana chimwe chete zvacho (Johani 8:46; 2 VaKorinde 5:21). Jesu akazofa pamuchinjikwa panzvimbo pedu, achitakura chirango chataikodzera kupiwa (VaRoma 5:8). Jesu akamuka kubva kuvakafa kuti aratidze simba raainaro rokukunda zvitadzo, rufu, uye hero (VaKorose 2:15; 1 VaKorinde chitsauko 15). Nemhaka yezvose izvi, tinogona kuregererwa zvitadzo zvedu tovimbiswa upenyu husingaperi kumusha Kudenga – kana tikangotenda muna Jesu Kristu. Chatinofanira kungoita kudavira kuti akatifira akamuka kubva kuvakafa (VaRoma 10:9-10). Tinogona kuponeswa nenyasha chete, nokutenda chete, naJesu Kristu chete. VaEfeso 2:8 inoti, "Nokuti makaponeswa nenyasha, kubudikidza nokutenda, uye izvi hazvibvi kwamuri, chipo chaMwari."

Kunyengetera munyengetero uyu wemutadzi ingori nzira yekuudza Mwari kuti unovimba naJesu Kristu seMuponesi wako. Hapana mashoko "eminana" anoita kuti uponeswe. Tinokwanisa kuponeswa nekutenda murufu rwaJesu nekumuka kwake. Kana uchibvuma kuti uri mutadzi uye unoda kuponeswa kubudikidza naJesu Kristu, heuno munyengetero waunogona kuita kuna Mwari: "Mwari, ndinoziva kuti ndiri mutadzi. Ndinoziva kuti ndinofanira kuwana mubayiro wezvitadzo zvangu. Asi ndiri kuvimba naJesu Kristu seMuponesi wangu. Ndinodavira kuti kufa kwake nekumuka kwakaita kuti ndiregererwe. Ndinovimba naJesu uye naJesu chete kuti ave Ishe wangu neMuponesi. Ndinokutendai Ishe, nekundiponesa uye nekundiregerera! Ameni!"

Zvawaverenga pano zvaita kuti ude Kristu here? Kana zvirizvo, dzvanya bhatani rakanzi “Nhasi ndagamuchira Kristu” riri pasi apa.

English



Dzokera kupeji yekutanga yemutauro weShona

Chii chinonzi munyengetero wemutadzi?
© Copyright Got Questions Ministries