settings icon
share icon
Mubvunzo

Zvinorevei kuva muKristu akaberekwa patsva?

Mhinduro


Zvinorevei kuva muKristu akaberekwa patsva? Mavhesi emuBhaibheri anonakidza anopindura mubvunzo uyu ndiJohani 3:1-21. Ishe Jesu Kristu akanga achitaura naNikodhimo, muFarisi aizivikanwa chaizvo uye aiva nhengo yeSanihedhirini (dare raitonga revaJudha). Nikodhimo akanga auya kuna Jesu usiku nemibvunzo.

Jesu paakanga achitaura naNikodhimo, Akati: “‘Ndinokuudza chokwadi, hapana munhu anogona kuona umambo hwaMwari kunze kwekuti akaberekwa patsva.’ ‘Munhu angaberekwa seiko iye ava mukuru?’ Nikodhimo akabvunza kudaro. ‘Chokwadi haangakwanisi kupinda mudumbu raamai vake kechipiri kuti aberekwe patsva!’ Jesu akapindura achiti, ‘Ndinokuudza chokwadi, hapana munhu anogona kupinda muumambo hwaMwari kana asina kuberekwa nemvura noMweya. Nyama inobereka nyama, asi Mweya anobereka mweya. Haufaniri kushamiswa nezvandareva ndichiti, “Unofanira kuberekwa patsva”’” (Johani 3:3-7).

Mashoko okuti "kuberekwa patsva" anoreva kuti "kuberekwa nedenga." Nikodhimo aiva nedambudziko guru. Aifanira kuchinja mwoyo wake—kuchinja manamatiro. Kuberekwazve, kuberekwa patsva, kunoitwa naMwari apo munhu anenge atenda anopiwa upenyu husingaperi (2 VaKorinde 5:17; Tito 3:5; 1 Petro 1:3; 1 Johani 2:29; 3:9; 4:7; 5:1-4, 18). Johani 1:12, 13 inoratidza kuti "kuberekwa patsva " kunorevawo "kuva mwana waMwari " kuburikidza nekuvimba nezita raJesu Kristu.

Panobva pamuka mubvunzo wokuti, "Nei munhu achifanira kuberekwa patsva?" Pana VaEfeso 2:1 muapostora Pauro anoti, "Uye Iye akaita kuti muve vapenyu, makanga makafa mukudarika uye muzvitadzo " (NKJV). KuVaRoma akanyora achiti, "Nokuti vose vakatadza uye vakasasvika pakubwinya kwaMwari" (VaRoma 3:23). Vatadzi “vakafa” pakunamata; pavanowana upenyu nokutenda muna Jesu, Bhaibheri rinoti vanenge vaberekwazve. Vanhu vaya vanenge vaberekwa patsva chete ndivo vanoregererwa zvivi zvavo uye vanova shamwari dzaMwari.

Izvozvo zvinoitika sei? VaEfeso 2:8-9 inoti, "Nokuti makaponeswa nenyasha, kubudikidza nokutenda, uye izvi hazvibvi kwamuri, chipo chaMwari, kwete namabasa, kuti parege kuva nomunhu anozvikudza." Munhu paanoponeswa, anenge aberekwa patsva, ava mutsva pakunamata, uye anenge ava mwana waMwari nokuti anenge aberekwa patsva. Achivimba naJesu Kristu, Uyo akabhadhara zvitadzo zvevanhu paakafa, ndizvo zvinoita kuti munhu "aberekwe patsva." "Naizvozvo kana munhu ava muna Kristu, ava chisikwa chitsva; zvakare zvapfuura, zvinhu zvose zvava zvitsva!" (2 VaKorinde 5:17).

Kana usati wamboona Jesu Kristu semuponesi wako, ungateerera here Mweya Mutsvene paunotaura newe? Unofanira kuberekwa patsva. Uchanyengetera munyengetero wekupfidza wova chisikwa chitsva muna Kristu nhasi here? "Asi kuna vose vakamugamuchira, kuna avo vakatenda muzita rake, akavapa simba rokuti vave vana vaMwari, vana vasina kuberekwa neropa kana nokufunga kwomunhu kana nokuda kwomurume, asi vakaberekwa naMwari." (Johani 1:12-13).

Kana uchida kugamuchira Jesu Kristu semuponesi wako woberekwa patsva, pano pane munyengetero waungapa. Asi hazvirevi kuti kudzokorora munyengetero uyu kana umwewo kuchakuponesa. Chichakuponesa chete pazvitadzo kuvimba naKristu. Munyengetero uyu ingori nzira yekuti uudze Mwari kutenda kwako nokuti akaita kuti ukwanise kuponeswa. "Mwari, ndinoziva kuti ndakakutadzirai uye ndinofanira kurangwa. Asi Jesu Kristu akatakura chirango chacho chaifanira kuuya pandiri zvoita kuti kana ndikatenda maari ndiregererwe. Ndinovimba Nemi kuti mundiponese. Ndinokutendai netsitsi dzenyu dzinoshamisa uye kuregerera kwenyu—chipo cheupenyu husingaperi! Ameni!"

Zvawaverenga pano zvaita kuti ude Kristu here? Kana zvirizvo, dzvanya bhatani rakanzi “Nhasi ndagamuchira Kristu” riri pasi apa.

English



Dzokera kupeji yekutanga yemutauro weShona

Zvinorevei kuva muKristu akaberekwa patsva?
© Copyright Got Questions Ministries