settings icon
share icon
Mubvunzo

Kune upenyu pashure pokufa here?

Mhinduro


Kune upenyu pashure pokufa here? Bhaibheri rinotiudza kuti, “Munhu akazvarwa nomukadzi ane mazuva mashoma azere nokutambudzika. Anobuda seruva agosvava; anotiza somumvuri, haagari.... Kana munhu akafa, angazoraramazve here?” (Jobho 14:1-2, 14)

SaJobho, vakawanda takambonetseka nemubvunzo iwoyo. Chii chinonyatsoitika kwatiri kana tafa? Zvinenge zvangopera here? Upenyu ivhiri here rinongotenderera pasi nokudenga? Tose tinoenda kunzvimbo imwe chete here, kana kuti tinoenda kunzvimbo dzakasiyana-siyana? Denga nehero zviriko zvechokwadi here, kana kuti zvingori mupfungwa dzemunhu?

Bhaibheri rinotiudza kuti kune upenyu kana tichinge tafa, kwete upenyu hwenhando asi upenyu husingaperi “Izvo zvisina kuonekwa neziso, kana kunzwika nenzeve; nezvisina kupinda mumwoyo womunhu, zvakagadzirirwa naMwari vaya vanomuda.” (1 VaKorinde 2:9). Jesu Kristu, Mwari akava munhu, akauya panyika kuzotipa chipo ichi cheupenyu husingaperi. “Asi akabayiwa nokuda kwokudarika kwedu, akakuvadzwa nokuda kwezvakaipa zvedu; kurohwa kwakativigira rugare kwaiva pamusoro pake, uye namavanga ake takaporeswa.” (Isaya 53:5).

Jesu akarangwa pachinzvimbo chemumwe nemumwe wedu uye akapa upenyu hwake pachake. Papera mazuva matatu, akaratidza kuti ane simba kudarika rufu nokumuka kubva muguva, ari Mweya uye ari munhu. Akagara panyika kwemazuva makumi mana akaonekwa nezvapupu zvaisvika zviuru achienda kuimba yake isingaperi yekudenga. VaRoma 4:25 inoti, “Akaiswa kurufu nokuda kwezvivi zvedu uye akamutswa kuvapenyu nokuda kwokururamiswa kwedu.”

Kumutswa kwaKristu inyaya yakanyorwa nevakawanda. Muapostora Pauro akati vaya vakanga vasina chokwadi nazvo vabvunze vanhu vakaona achimutswa, hapana akapokana nazvo. Kumuka ndiwo musana wechitendero chechiKristu; nokuti Kristu akamutswa kubva kuvakafa, tinogona kuvimbawo kuti nesuwo tichamutswa.

Pauro akatsiura vamwe vaKristu vepakutanga vakanga vasina chokwadi nazvo: “Asi kana kuchiparidzwa kuchinzi Kristu akamutswa kubva kuvakafa, ko, vamwe venyu vangareva sei kuti hakuna kumutswa kwavakafa? Kana kusina kumutswa kwavakafa, saka naizvozvowo Kristu haana kumutswa” (1 VaKorinde 15:12-13).

Kristu ndiye wokutanga kumutswa pane vakawanda vachamutswa. Kufa panyama kwakauya nemunhu mumwe, Adhamu, baba vedu tose. Asi vose vakagamuchirwa kuti vave nhengo dzemhuri yaMwari pachishandiswa kutenda muna Jesu Kristu vachapiwa upenyu hutsva (1 VaKorinde 15:20-22). Mwari zvaakamutsa muviri waJesu, miviri yeduwo ichamutswa pachadzoka Jesu (1 VaKorinde 6:14).

Kunyange zvazvo pakupedzisira tichamutswa, munhu wese haasi kuzoenda kudenga panguva imwe chete. Munhu nemunhu anofanira kusarudza achiri neupenyu huno kuti ramangwana rake achange aripi nokusingaperi. Bhaibheri rinoti takanzi tife kamwe chete, zvadaro pouya kutongwa (VaHebheru 9:27). Vaya vakaitwa vakarurama vachaenda kuupenyu husingaperi kudenga, asi vasingatendi vachaenda kunorangwa nokusingaperi, kana kuti kuhero (Matewu 25:46).

Hero, kufanana nedenga, hakusi kungovapo, asi inzvimbo chaiyo, iriko. Inzvimbo iyo vasina kururama vachanzwa hasha dzaMwari dzisingagumi. Vacharwadziswa mumwoyo, mupfungwa uye mumuviri, vonzwa kurwadza kunoita nyadzi, kuzvidemba uye kuzvidzwa.

Hero inonzi zigomba rakaita zienda nakuenda (Ruka 8:31, Zvakazarurwa 9:1), uye dziva remoto, rinobvira nesarufa, umo vanenge varimo vachatambudzwa siku nesikati, kusvika narini (Zvakazarurwa 20:10). Muhero muchange muine kusvimha misodzi nekugeda-geda kwemeno, zvichiratidza kurwadziwa kwakanyanya uye kushatirwa (Mateo 13:42). Inzvimbo umo honye dzisingafi uye moto wacho haudzimi (Mako 9:48). Mwari haafariri kufa kwevakaipa, asi anoda kuti vabve panzira yavo yakaipa kuti vararame (Ezekieri 33:11). Asi haatimanikidzi kumuteerera; kana tikasarudza kumuramba, Haana zvimwe zvaanoita kunze kwekutirega tichiita zvatinoda—kurarama takaparadzana Naye.

Upenyu hwepasi pano ndehwekuyedzwa tichigadzirira zvichazouya. Kune vanotenda, izvi zvinoreva upenyu husingaperi pedyo naMwari. Saka tinoitwa sei vakarurama topiwa upenyu husingaperi uhu? Panongori nenzira imwe chete—kutenda nekuvimba neMwanakomana waMwari, Jesu Kristu. Jesu akati, “Ndini kumuka noupenyu. Uyo anotenda kwandiri achararama, kunyange dai akafa; uye ani naani anorarama uye anotenda mandiri haangatongofi...” (Johani 11:25-26).

Chipo chepachena cheupenyu husingaperi chinokwanisa kuwanika nemunhu wose, asi zvinoda kuti tirambe kuwana zvimwe zvinonakidza zvenyika ino tozvipira kuna Mwari. “Ani naani anotenda muMwanakomana ano upenyu husingaperi, asi ani naani anoramba Mwanakomana haangaoni upenyu, nokuti kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake” (Johani 3:36). Kana tafa hatizopiwi mukana wekutendeuka pazvitadzo zvedu nokuti kana tangoona chiso chaMwari, tinobva tangotenda. Anoda kuti timunamate tichitenda nekumuda iye zvino. Kana tikabvuma kuti kufa kwaJesu Kristu ndiko kwakabhadhara kupandukira kwatakaita Mwari, tichava neupenyu hwakanaka pasi pano, uyewo tozova neupenyu husingaperi pamwe chete naKristu.

Kana uchida kugamuchira Jesu Kristu seMuponesi wako, pano pane munyengetero waungapa. Asi hazvirevi kuti kudzokorora munyengetero uyu kana umwewo kuchakuponesa. Chichakuponesa chete pazvitadzo kuvimba naKristu. Munyengetero uyu ingori nzira yekuti uudze Mwari kutenda kwako nokuti akaita kuti ukwanise kuponeswa. "Mwari, ndinoziva kuti ndakakutadzirai uye ndinofanira kurangwa. Asi Jesu Kristu akatakura chirango chacho chaifanira kuuya pandiri zvoita kuti kana ndikatenda maari ndiregererwe. Ndinovimba Nemi kuti mundiponese. Ndinokutendai netsitsi dzenyu dzinoshamisa uye kuregerera kwenyu—chipo cheupenyu husingaperi! Ameni!"

Zvawaverenga pano zvaita kuti ude Kristu here? Kana zvirizvo, dzvanya bhatani rakanzi “Nhasi ndagamuchira Kristu” riri pasi apa.

English



Dzokera kupeji yekutanga yemutauro weShona

Kune upenyu pashure pokufa here?
© Copyright Got Questions Ministries