settings icon
share icon
Mubvunzo

Chii chinonzi chiKristu uye vaKristu vanodavirei?

Mhinduro


1 VaKorinde 15:1-4 inoti, “Zvino hama, ndinoda kukuyeuchidzai vhangeri randakakuparidzirai, iro ramakagamuchira uye ramakamira mariri. Nevhangeri irori munoponeswa, kana mukabatirira kwazvo pashoko randakakuparidzirai. Zvimwe makatenda pasina. Nokuti zvandakagamuchira sezvinokosha pakutanga ndizvo zvandakakupaiwo: kuti Kristu akafira zvivi zvedu sezvazvakanyorwa muMagwaro, kuti akavigwa, akamutswa pazuva rechitatu sezvazvakanyorwa muMagwaro.”

Tisingapedzi nguva, uyu ndiwo musana wezvinodavirwa nechiKristu. Kusiyana nezvimwe zvitendero zvose, chiKristu chinonyanya kutaura nezveukama naMwari pane kuita mitambo yekunamata. Pane kuva nezvinhu zvakawanda zvinonzi “ita ichi uye usaita ichi,” chinangwa chemuKristu ndechekuda kufamba naMwari Baba pedyo napedyo. Ushamwari uhu hunokwanisika nokuda kwebasa raJesu Kristu uye ushumiri hweupenyu hwemuKristu pachishanda Mweya Mutsvene.

VaKristu vanodavira kuti Bhaibheri rakafemerwa, iShoko raMwari risina chikanganiso, uye kuti zvarinotaura ndizvo zvinofanira kuitwa pasina kupokana (2 Timoti 3:16; 2 Petro 1:20-21). VaKristu vanodavira kuti kuna Mwari mumwe chete aripo vari vanhu vatatu, Baba, Mwanakomana (Jesu Kristu), uye Mweya Mutsvene.

VaKristu vanodavira kuti vanhu vakasikwa kuti vave neukama naMwari, nepo zvivi zvinoita kuti vanhu vose vaparadzane naMwari (VaRoma 3:23, 5:12). ChiKristu chinodzidzisa kuti Jesu akauya pasi pano, ari Mwari akakwana, asiwo ari munhu akakwana (VaFiripi 2:6-11), uye akafira pamuchinjikwa. VaKristu vanodavira kuti Afira pamuchinjikwa, Kristu akavigwa, Akamuka zvekare, uye iye zvino ari kugara kurudyi rwaBaba, achireverera vatendi nokusingaperi (VaHebheru 7:25). ChiKristu chinozivisa kuti rufu rwaKristu pamuchinjikwa rwakanga rwakakwana zvachose kubhadhara zvivi zvevanhu vose uye kuti ndirwo runoita kuti vanhu vave shamwari dzaMwari zvekare (VaHebheru 9:11-14, 10:10; VaRoma 5:8, 6:23).

Kuti aponeswe, munhu anofanira kungovimba zvakakwana nebasa rakaitwa naKristu pamuchinjikwa. Kana munhu akadavira kuti Kristu akamufira akabhadhara zvitadzo zvake, akamuka zvekare, saka munhu iyeye anoponeswa. Hapana chingaitwa nemunhu kuti awane kupona. Hapana munhu “akanaka zvakakwana” kuti afadze Mwari nesimba rake oga, nokuti tose tiri vatadzi (Isaya 53:6, 64:6-7). Chechipiri, hapana chimwe chingaitwa, nokuti Kristu akatoita basa rose! Paakanga ari pamuchinjikwa, Jesu akati, “Zvapera” (Johani 19:30).

Sezvo pasina chinhu chinogona kuitwa nemunhu kuti awane kupona, kana mumwe munhu angovimba nebasa rakaitwa naKristu pamuchinjikwa, hapana chinogona kuitwa nemunhu kuti atadze kuwana kupona nokuti basa racho rakaitwa rikapedzwa naKristu! Kupona hakunei nemunhu anowana kupona kwacho. Johani 10:27-29 inoti “Makwai angu anonzwa inzwi rangu; ini ndinoaziva, uye anonditevera. Ndinoapa upenyu husingaperi, uye haatongofi; hakuna munhu angaabvuta muruoko rwangu. Baba vangu, ivo vakaapa kwandiri, vakuru kuna vose; hakuna munhu angaabvuta muruoko rwaBaba vangu.”

Vamwe vanhu vangati, “Saka kana zvakadaro ose machena—kana ndangoponeswa, ndinogona kuita zvandinoda ndozongoponeswa!” Asi kuponeswa hazvirevi kuti munhu akasununguka kuita zvaanoda. Kuponeswa kunoreva kuti hauchaiti zvitadzo zvawaimboita wosununguka kuva shamwari yaMwari. Pataimboshandira zvitadzo, tinenge tava kushandira Kristu (VaRoma 6:15-22). Chero bedzi vatendi vachirarama panyika pano vaine miviri inoita zvivi, panoramba paine hondo yekuti vasaite chivi. Kunyange zvakadaro, vaKristu vanokwanisa kukunda hondo yacho kana vakadzidza voita zvinotaurwa neShoko raMwari (Bhaibheri) muupenyu hwavo, vachitungamirirwa neMweya Mutsvene—izvo zvinoreva kuti vanobvuma kuita zvinodiwa nemweya uye kurarama nesimba reMweya, vachiteerera Shoko raMwari.

Saka, nepo zvimwe zvitendero zvakawanda zvichida kuti munhu aite kana kusaita zvimwe zvinhu, chiKristu chinotaura nezvekuti munhu adavire kuti Kristu akafira pamuchinjikwa semubhadharo wezvitadzo zvako pachako akamuka zvekare. Zvitadzo zvako zvinobhadharwa uye unogona kunamata Mwari. Unogona kurega kuita zvitadzo wofamba uchinamata Mwari uchimuteerera. Ichi ndicho chiKristu chechokwadi chinotaurwa neBhaibheri.

English



Dzokera kupeji yekutanga yemutauro weShona

Chii chinonzi chiKristu uye vaKristu vanodavirei?
© Copyright Got Questions Ministries