settings icon
share icon
Mubvunzo

Zvinorevei kugamuchira Jesu Kristu seMuponesi wako?

Mhinduro


Wakagamuchira Jesu Kristu seMuponesi wako here? Kuti unyatsonzwisisa mubvunzo uyu, unofanira kutanga wanzwisisa zvinorehwa nemashoko okuti “Jesu Kristu,” “wako,” uye “Muponesi.”

Jesu Kristu ndiani? Vanhu vakawanda vanobvuma kuti Jesu Kristu munhu akanaka, mudzidzisi mukuru, kana kutoti muprofita waMwari. Ichokwadi kuti Jesu ndizvo zvaari, asi havatauri kuti Iye ndiani chaizvo. Bhaibheri rinotiudza kuti Jesu ndiMwari panyama, Mwari akava munhu wenyama (ona Johani 1:1, 14). Mwari akauya panyika kuzotidzidzisa, kutirapa, kutiruramisa, kutikanganwira—uye kutifira! Jesu Kristu ndiMwari, Musiki, changamire Ishe. Wakagamuchira Jesu uyu here?

Muponesi chii, uye nei tichida Muponesi? Bhaibheri rinotiudza kuti tose takatadza; tose takaita zvinhu zvakaipa (VaRoma 3:10-18). Saka tinofanira kurangwa naMwari nemhaka yezvivi zvedu. Chirango chakakodzera zvivi zvakakura kudaro zvakaitirwa Mwari anogara aripo ndechiya chinogara chiripo (VaRoma 6:23; Zvakazarurwa 20:11-15). Ndokusaka tichida Muponesi!

Jesu Kristu akauya panyika akatifira. Kufa kwaJesu kwaiva mubhadharo unoramba uripo wezvivi zvedu (2 VaKorinde 5:21). Jesu akafa kuti abhadhare chirango chezvivi zvedu (VaRoma 5:8). Jesu akabhadhara mutengo wacho kuti isu tisaubhadhare. Kumuka kwakaita Jesu kubva kuvakafa kwakaratidza kuti akanga abhadhara zvakakwana zvivi zvedu. Ndokusaka Jesu ari Iye chete Muponesi wedu (Johani 14:6; Mabasa 4:12)! Uri kuvimba naJesu seMuponesi wako here?

Jesu Muponesi “wako” here? Vanhu vakawanda vanofunga kuti chiKristu kuenda kuchechi, kudya chidyo, uye kusaita zvimwe zvitadzo. Handicho chiKristu. ChiKristu chechokwadi kuva shamwari yaJesu Kristu. Kugamuchira Jesu Kristu seMuponesi wako zvinoreva kutenda maari uye kuvimba Naye. Hakuna munhu anoponeswa nekutenda kwevamwe. Hakuna munhu anokanganwirwa nekuti aita mamwe mabasa. Nzira yekuponeswa chete ndeyekuti iwe pachako ugamuchire Jesu seMuponesi wako, wovimba nekufa kwaakaita achibhadhara zvivi zvako uye kumuka Kwake kuti uve nechokwadi chekuwana upenyu husingaperi (Johani 3:16). Jesu ndiye Muponesi wako here?

Kana uchida kugamuchira Jesu Kristu seMuponesi wako, taura mashoko anotevera aya kuna Mwari. Asi hazvirevi kuti kudzokorora munyengetero uyu kana umwewo kuchakuponesa. Chichakuponesa chete pazvitadzo kuvimba naKristu nebasa raakaita pamuchinjikwa. Munyengetero uyu ingori nzira yekuti uudze Mwari kutenda kwako nokuti akaita kuti ukwanise kuponeswa. “Mwari, ndinoziva kuti ndiri mutadzi. Ndinoziva kuti ndinofanira kuwana mubayiro wezvitadzo zvangu. Asi ndiri kudavira kuti Jesu Kristu akatakura chirango chaiva changu kuti kana ndikatenda maari ndiregererwe. Ndinogamuchira urongwa hwenyu hwekundikanganwira uye ndinovimba neruponeso Rwenyu. Ndinogamuchira Jesu seMuponesi wangu! Ndinokutendai nekuda kwenyasha dzenyu dzinoshamisa nekundiregerera! Ameni!”

Zvawaverenga pano zvaita kuti ude Kristu here? Kana zvirizvo, dzvanya bhatani rakanzi “Nhasi ndagamuchira Kristu” riri pasi apa.

English



Dzokera kupeji yekutanga yemutauro weShona

Zvinorevei kugamuchira Jesu Kristu seMuponesi wako?
© Copyright Got Questions Ministries